Wakamboona paNews kana vachida kubiditsa video
clip inotyisa, maybe iCar accident yafa vanhu vazhinji or hameno imwe horror
yaitika, pane statement inotaurwa naNews reader before that video clip hanzi
“please note the following footage is not suitable for viewers with nervous
disposition” unogara wapihwa warning yekuti video yatinoda kubuditsa iyi haidi
vanhu vane hana nhete, unozorara uchivhumuka. Rega ndikatsemurewo kaStatement
ikako, this sermon is not for people vane nervous disposition, haizi yevanhu
vekuti akatsiurwa he/she easily gets offended, haizi yemunhu anoda doctrine
yeChurch yaanopinda more than Shoko raMwari. Im not here to entertain you, so
don’t expect kuti ufarire zvandichaparidza. If you want something nice to read,
then wauya paWrong place, nhasi tirikutsikirana madomasi, haizi rivalry but iRevival,
nekuti for too long tagara pazvinhu zvisirizvo.
Matthew 6:33 iVerse yekuti almost muChristu wese
anoiziva, even vamwe vasati vagamuchira Jesu they know it very well, but
problem yanetsa ndeye kurarama in accordance with what it says. Munhu unogona
kuziva kuti aka kabepa kandapihwa naDoctor aka kanonzi Prescription, but
ukarega kutenga mushonga wakanyorwa ipapo, you will remain ill. So nyaya haizi
yekungoziva kuti ndine prescription yakanyorwa maAntibiotics, paracetamol,
painkiller etc etc but zvinotoda kuti utenge and umwe mushonga wacho in
accordance with the doctor’s instructions. So hazvibatsire kuti tizive matthew
6:33 but torega kuirarama verse iyoyo. Saka kuna James 1:22 kuchinzi But be
doers of the word, and not hearers only, deceiving your own selves. Munhu
ngaarame shoko than kungofarira kurinzwa chete.
Jesu paanotaura mashoko ekuti seek first the Kingdom of GOD and His righteousness and all these things shall be added unto you, anga abva kudzidzisa kuti regai kuva worried about zvinhu zvepanyama, kuti ndichadyei, what shall I wear, mangwana ndichaitei. Jesus knew kuti kune vamwe vatendi vari so occupied nezvinhu zvepaNyama, so akabva ataura kuti tangai kutsvaka umambo hwaMwari nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
regai ndifambe nayo mbichana mbichan, Jesus akaTeacher order inofanirwa kutedzerwa, or route yaunofanira kufamba nayo, Kingdom 1st, GOD’s righteousness then zvinhu zvepaNyama zvozotevera. Order yezvinhu inokosha nekuti if you don’t follow it hazvifambe. I remember tiri kuCollege the 1st week yeRegistration pane maProcudures aiwafanira kutedzera, kubhadhara fees, kuenda kwaBursar, kuenda KuDepartment etc etc. so pane kumwe kwekuti maRegistration forms ako haaitambirwa kana kuiswa chidhindo kana usina kupfura nekuine imwe office. Muenzaniso haiwagona kuisirwa chidhindo kuFaculty kana maLecturer asina kusiyana maRegistration forms ako, you would be told to go back unosainisa apa pawajamba. Apa ufunge time yawapedza wakamira paQueue only to be told kunzi dzokera uko, chikonzero ndechekuti hauna kuFollower order yezvinhu.
By the same token kune vamwe vanhu life yavo isiri
kufamba nekuti they do not want to follow the order yekwaMwari. Iye Jesu ichiti
seek 1st Humambo hwaMwari but mumwe anoda kuJamba and he goes straight
kuThings. And wasvika kuzvinhu kwacho unobva wanzi hapana chatiri kukupa, go
back kuKingdom uko unogadzirisa nyaya dzako. Generation yedu yanyanya kubatwa
nerudo rwemari, the love of things ndiyo yanyanya kubata vanhu more than the
love of GOD.
Its very true GOD can make a person rich, izvo handirambe izvo, maVerse hobho
anoSupporter nyaya iyoyo, but hona nyaya iripo is to follow format inodiwa
naMwari wacho more than kungomhanya kuwana pfuma. The devil can also make a person rich that’s
why uchiona kuti pana Matthew 4 :9
satan anoudza Jesu kuti I will give you All these things if you fall
down and worship me. King James Version ndafarira choice yemaWords ayashandisa,
underliner mashoko ekuti ALL THESE THINGS. Iyewo satan anazvo zvinhu
zvekupa vanhu kuti vapfume, so the moment yauchatadza kutedzera order
yekwaMwari yekuti uwane things, tichikuona wava kuenda kunasatan inorder to get
things, tichakuona wava kuenda kuvaporofita venhema, wakuenda kun’anga,
wakuenda kuma satanists kuri kuvavarira kuti upfume, and mhedzisiro yacho is destruction.
So rega kuva mutendi ari so much in love with
things (pfuma) kupfura muridzi wezvinhu Mwari. Ndokusaka Pauro achinyora kuna 1
timothy 6:10 achiti the love of money is the root of all evil, kwete kuti money
is the root of evil but the love of money. Rudo pamusoro pemari ndiyo yakonzera
kuti vannhu vaiite huipi, some resort to corruption, vamwe ndivo vanochekeresa,
vamwe vachiromba, chinangwa chiri chekupfuma.
Chinorwadza ndechekuti unoona munhu anoita
zvivindi zvekubata mutsanyo kudhonza kana 10 days achiti Mwari ndiropafadzei
nemota, bless me with a car, but spiritual life yake yaparara kare. 9
maSpiritual gifts ari pana 1 Corinthians 12 haana kana 1, but anowana simba
rekutsanya kuti atenge i-phone. Church yazara vanhu vanotaura nendimi, whether
dzechokwadi kana kuti ndiFake but hapana kana 1 ane chipo chekududzira, instead
yekuti vanhu vanamatire gift yekuInterpreter ndimi, vanenge vatori busy
kunamatira maSuit manyowani. We are skipping the order yakataurwa naJesu.
Chinotanga Humambo hwaMwari nekururama kwake then zvemaSuit izvo zvozotera.
Mota chaiyo muHedheni anogona kunyora cheque, Benz
ikaswera yava muShip ichibva kuGermany, and that same thing ndicho
chaunokwidzira mugomo uchinamatira, Mwari ndinoda Ipsum, I want a Toyota
chaser, ndinoda Vitz. But iwo mweya wako uine nzara. Shuwa ungatsanyire suit
yekuti munhu asinganamate anayo, ndiyo yaunoda kubatira prayer here iyoyo.
Hauna here zvimwe zviri nani zvaunganamatire. Kunamatira varwere chaiko
haukwanise, headache chaiyo tikati namatira munhu apore haukwanise but tikati
tinoda kunamatira mari, kana absolute fasting unopinda. Chikonzero you love
money more than the Kingdom of GOD.
Aripo murume akasangana face to face naJesu, but
inzwa unzwe request yaakaita, hanzi “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti
agovane nhaka neni.”
Just imagine one on one naMessiah munhu anokumbira kuti Jesu auye kuzogadzirisa nyaya dzeNhaka, bhachi neJean zvakasiwa naBaba, wardrobe, nemaPrimus stove, bhasikoro, mota, imba, ndizvo zvaanoda kuti Jesu agadzirise izvozvo. but inzwa unzwe answer yaJesu, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?
He went on futi kuudza vanhu kuti, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” (Then he said to them, “Watch out and guard yourself from all types of greed, because one’s life does not consist in the abundance of his possessions.”) Luke 12:13-15
how many times do we make maRequests akaita semurume uyu, we get mukana wekupinda muPresence yaMwari, we get mukana wekutaura naMwari through prayer but inzwa unzwe maRequests acho, akazara huGreediness, akazara ruchiva, Jehovah ndipeiwo i-pad inenge yaNhingi, ndinodawo hairstyle senge yakarukwa mai nhingi, I need a car, I need a mansion. Makaro ega ega, but Jesu obva ati Watch out and guard yourself from all types of greed, because one’s life does not consist in the abundance of his possessions. Haizi nyaya yemaAssets iyi hama.

GOD is abler to take care of your needs, Mwari
vanogona kukupa stand, vanogona kukupa zikuMansion, mota, basa rinobhadara, but
vari kuda kuti utedzere the proper channel. Kingdom first and His righteousness
and all other things shall be added to you. Ini hangu personally lets say ndiri
kunyenga musikana and before she accepts my proposal obva ati tanga wandiesa
kuPizza inn after that ndozokuudza mhinduro. Handibvume zvaataura. Ndati inini,
hameno kuti rimwe boys rinoita sei, chikonzero why ndicharamba ndeichi: ko
ndikamuendesa kuPizza inn ikoko, she spends my money afterwards obva ati
hazviite kuti tidanane let us just be friends, ndinorwadziwa, mari yangu
yaendera mahara. ngapatange paite love then tozotaura nyaya yePizza. That’s the
problem nevamwe vanhu, they are not in love with GOD but varikumaker maDemands,
GOD I want a car, I want a house, and maRequest avo haasi kuzadziswa because
they are not in love with GOD. Hausati
wava nehukama hwakasimba naMwari but night and day unenge uchikumbira zvinhu.
Vamwe vanobva vaiti aiwa munhu waMwari isu vamwe
takawana kingdom kare, righteousness takaiwana kare so that why tichinamatira
things (pfuma).
rega ndikubatsire ipapa apaNzwisisa. Hanzi naJesu, seek first the Kingdom of GOD and His righteousness and all these things shall be added unto you. Unotanga nekutsvaga humambo hwaMwari nekururama kwavo and zvimwe zvese uchapihwa. What you seek for is the Kingdom of GOD and His righteousness chete, you don’t seek for things, hautsvage zvinhu but once wawana kingdom and righteousness then Mwari ndivo vanokupa things (pfuma), hautsvage wega things but unopihwa automatically nekuti wawana Kingdom and righteousness. So chako iwewe is to focus pane 2 zvekutanga izvi (humambo nekururama) and Mwari ndivo vanokupa things.

Rega ndipe example iyi yemuBible, ukaverenga Jesu
paaipa vanhu chingwa neFish. Vanhu havasi rivo vaikumbira kuti tine nzara
please tipei chekudya. But hona sequence yemaEvents, vanhu vaiuya kuzonzwa
vhangeri raJesu hanti (they were seeking The Kingdom of GOD and His
righteousness) after sermon yapera, maDisciples achitoti Ishe udzai vanhu
vadzokere kudzimba kwavo nekuti kwadoka, iye Jesu ndiye aiti aiwa let them sit
down ndivape zvekudya kuti varege kufenda muNzira umo. Vanhu vaiuya kuzotsvaga
chingwa cheMweya (shoko) then iye Jesu ozovapa chingwa chepaNyama (bread and
fish) zvavasina kukumbira.
Why is that so, Mwari kana achinge akugutsa
paMweya haakusiye uine nzara yepaNyama, He will add things to you zvausina
kukumbira. Unotoshamisika uchifonerwa kuti tirikukudai kuJob interview
kuCompany yausina kuApplier, unotoshamisika kuti munhu wausingazive anouya
kwauri achiti ndanzi naMwari I must give you this car. So rega kuda kuita
pressure nekutsvaga pfuma but iwo mweya wako uine nzara. Kana iwewe uchiti
Kingdom wakaiwana, righteousness wakaiwana, then relax, rega kuita pressure
nepfuma because GOD will add it to you. why uchida kuzviomesera nekutsvaga wega
zvinhu zvacho iye Mwari achiti achakupa.
So mumwe anobva ati saka munhu waMwari are you
saying kuti hatifanire kuenda kuBasa, tinofanira kuswera tiri pamba tichinamata
stereki, tichitsanya tichiparidza, tisingashande. No kwete, handisi kudaro,
rega nditaure shoko rekuna Proverbs 23:4 Labour not to be rich: cease from
thine own wisdom. Rega kushanda with an aim yekuda kubva wapfuma ne1 month
nekuti mhedzisiro yacho you will end up waparara. Get this, paNyika pano kuti
upfume its either uneBack up yasatan or yaMwari. Pasina back up yasatan or
yaMwari, very sorry haulume. Kana uine back up yasatan hongu unopfuma but
gehena straight. Kana uine back up paMwari unopfuma but you have to follow the
order yepaMatthew 6:33. So the moment you over work to be rich wakutorasika
nekuti you are not following the correct channel. Don’t take maShort cut, enda
ne the correct route
Kubasa enda, shandira mhuri yako, ubhadhare rent,
maSchool fees, magetsi, but rega kusvika paLevel yekuti unoda kutsvaga mari
zvakanyanya kupfura kutsvaga Mwari to the extent yekuti kana kuChurch unorovha
uchienda kuBasa. kuAll night unorovha nekuti unoda kuita overtime kubasa to get
money. Kusvika paLevel yekuti you are now accepting maBribe paRoadblock
paunoshanda or pabasa pako chinangwa chiri chekuti upfume. Kusvika paLevel
yekuti unoreva nhema just to get money, you cheat to make ends meet.
just be honest pabasa pauri ipapo, hongu mari yauri kutambira ishoma but if you are honest pamberi paMwari, surely He will bless you, if you seek the Kingdom of GOD and His righteousness, He will add these things into your life. ndipo paya pekuti if you look at your payslip, wotarisa makuriro emhuri yako and the expenses you pay, ndipo paunonyatsoona kuti apa ndiri kuchengetwa naMwari apa. Iko kaSalary ikaka aka but im living comfortably. Unonyatsoona kuti GOD is adding things unto your life because you are seeking the Kingdom and His righteousness.
Generation yedu dai tagona kuva nerudo naMwari more than rudo nezvinhu. seMushumiri ndine zvinhu zvandionawo, and im sure vanhu vanoswera paFacebook vanogona kundipupurira kuti ndiri kutaura chokwadi. Munhu anoisa post yekuti receive your house, receive your car, receive your financial breakthrough, receive your house, post iyoyo inowana maAmens, akawanda, vanhu vanotsikirirana kubaya like button. But kana ukaPoster uchiti vanhu ngatibudei muzvivi tiite zvinodiwa naMwari, unoona maAmen mashoma and a few likes. Vanhu vavakunyanyoda hupfumi more than Mwari.

And vamwewo vaparidzi they are there to entertain
people, they are there kuparidza zvinonakidza vanhu, vhangeri rekururama is now
endangered specie. Kwangozara bless you bless you, financial break through, but
ivo vanhu vachihura, receive your wedding but iye mwanasikana achifamba ari
half-naked. Receive your car, but iye munhu achitadza kuchengeta vabereki vake
kumusha uko. Iyi ingori fulfilment yeProphesy yakaitwa naPauro yemazuva ekuguma
kuna 2 Timothy 4:3-4 kunonzi For the time will come when they will not
endure sound doctrine; but after their own lusts shall they heap to themselves
teachers, having itching ears; And they shall turn away their ears from the
truth, and shall be turned unto fables.
Nechishona: Nokuti nguva ichasvika vanhu
pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira
vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza
nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano
ndiyo nguva yatava iyi yekuti munhu anotsvaga vhangeri rinomunakidza, and ivo vaparidzi vacho they aim to preach zvinonakidza vanhu. Makesure kuti vhangeri rauri kuterera harizi rekufadza nzeve dzako, uye kana uri muparidzi rega kuparidza zvinhu zvekuda kunakidza vanhu. Kuparidza kwesiyana nemaStand up comedians wekuti here is there to entertain the people, no, hatipo pakufadza vanhu but tiripo pakufadza Mwari. Ukaona ndichikuparidzira vhangeri rekukufadza iwewe but ndisingafadze Mwari, please do yourself a favour, rega kuverenga hako zvatinoPoster, kana pari paFacebook chibva wabaya hako unlike button, kana uchikwanisa kuBlocker gara waBlocker. Galations 1:8 But even if we or an angel from heaven should preach to you a gospel contrary to the one we preached to you, let him be accursed.

Rega kutsvaga zvinofadza nyama yako, but tsvaga
zvinofadza Mwari.
haina kupera sermon yedu but kwanhasi ngatigumire pano so that I can give you time to digest zvandaparidza. Part 2 is coming
haina kupera sermon yedu but kwanhasi ngatigumire pano so that I can give you time to digest zvandaparidza. Part 2 is coming
Mwedzi yakati yapfuura ndakarasikirwa nebasa rangu uye ndaive nemazita mashomanana kwandiri nokuda kwemazana emadhora emadhora. Ndakanga nditsvaga nzira dzekuita mari chaiyo nokukurumidza uye ndakapinda mukati peji rino paGoogle. Pakutanga ndakaputsa, asi ini ndichiri kuedza kuitora. Ndakarayira kadhi yeATM isina kubhadharwa € 10 000 uye ndakawana kadhi rangu rakabudiswa pano kubva kuC. Ndakanga ndichida kuziva kuti ini ndaiva uye ndakakurumidza kuenda kuATM uye kushamisika kwangu pazuva raizosvika EUR 10500. Kadhi yangu yakamira shure kwemazuva mashomanana, asi ini ndakakwanisa kusvika 20500 euro. Ndinokutendai zvikuru, ndakarayira mari yakawanda. Heino hutano info.to injinjini: rickatmcardoffer@gmail.com uye bvisa mahara akadai zvikuru zvikuru
ReplyDelete