Wednesday, 6 November 2013

Title: Seek 1st- (Part 4) Scripture reading: Luke 12:16-21

Pane Parable yakataurwa naJesu, its popularly known as the parable of the rich fool. Munhu ambonzi rich but abva apihwa surname yekuti fool. Ane mari yake but ibenzi. Ane tunhwu twake but he is an idiot. Hupenzi hurikutaurwa apa hauzi wepfungwa wekuti munhu anoendesaw kuAnnex kuParirenyatwa, kuIngutsheni kuBulawayo or wherever but hupenzi uri pana Psalms 14:1 panonzi a fool said in his heart there is no GOD. Benzi rakati mumoyo maro Mwari hakuna. So tinogona kuita mapenzi munyika ekuti anenge akaiswa weave yakanaka, akarova smart yake, maKeys emota akarembera muruoko, i-phone in the other hand but ivo Mwari vachitoti ibenzi munhu iyeye. Today hatizi kuda kuFocuser pane benzi rekuna Psalms 14 but tirikuda benzi rekuna Luke 12, Mwari vachindibatsira ndichada kuLinker nyaya iyoyo neMatthew 6:33 inoti seek first the Kingdom of GOD and His righteousness and all these things shall be added unto you.

 

This rich man aiva aine land yake and it was productive achikohwa pakuru. Yes aitokohwa big time but asingararame zvinodiwa naMwari. Its very possible kuti zvinhu zvako zvinofamba but iwe neMwari musingaonane.  Do not mistake prosperity for holiness. This man was prosperous but aisafamba muNzira dzinodiwa naMwari. Unogona kutoita business rako richifaya big time, maProfits achiRiser every day, but at the end of the day GOD can call you a fool nekuda kwekuti uri koshesa pfuma more than mweya wako.

 

Goho richikura murume uya started to think kuti ndoita sei nekuti storage space hapasisina. Harvest iri kuwanda but kwekuzviisa ndipo pasina. He was more concerned about where he can store zvinhu zvake. There are times yekuti salary yemunhu inogona kuwanda, income yake inogona kuwanda and pfungwa inotanga kuuya ndeye kuti ndoita sei manje, furniture haichakwane mumba mangu, ndoita sei mota dzawanda I no longer have space yekudzi parker, ndoita sei hembe dzawandisa hadzichakwane muWardrobe, ndoita sei business riri kukura let me extend zumbu rangu, ndoita sei let me get another farm.

 

Its good to expand but hona nyaya iripo manje, nguva chaiyo yekuti murume uyu atende Mwari haana, anenguva yekuronga maBusiness strategy chete, nguva yekuti anamate Mwari haana but ane nguva yekufunga kuti harvest yangu ndoiisa papi. Be very careful hama wadiwa, rega kusvika paLevel iyi yekuti nguva yekuti unamate Mwari hausisina, you are more concerned in advancing paNyama more than kunamata Mwari. Everyday unotosvika pakunetsa maBoss kuti vakubvumidze kushanda overtime so that you get more money and unosvika kumba waneta zvekuti you cant even pray. 7 days a week, wakavhura business rako kuri kutsvaga expansion kana kuChurch hauchaende. Nguva yeBible study hapasisina yakuperera paInternet uchiGoogler kuti how can I make more money. But naMwari hamusi kutaura mese.

 

This rich fool agara ari kukohwa nechekare, he is not in need but anoita pressure yekuda kuramba achipfuma chete yet he neglects kutenda Mwari. Whether you like It or not, mari haife yakakwana, the richest man in the world anotoenda kuBasa, anotoshanda but iye achinzi ane mari hobho he still works. that is just a sign yekuti hapana paunozosvika paLevel yekuti unoti mari yangu yakwana. Haufe wakagutsikana nemari but it only takes Jesus kuti ugutsikane neLevel yauri. Jesus gives you the power yekuti ukanzi huyai kuOvertime paWeeekend tikupei mari, iwe unotaura kuti, no I cant nekuti ndiri kuenda kuChurch, Jesus gives you the power yekuti munhu akaedza kuda kukupa bribe, unoramba nekuti unoziva kuti its not all about money but its about following GOD.

 

Stress yakabata murume uyu ndeye kuti ndoita sei neHarvest yangu iri kukura, he was not stressed about the Kingdom of GOD but about his own kingdom. Checker kuti stress yako iri kukonzerwa nei, what are you more concerned about, haizi nyaya yeKingdom yako here kana kuti kingdom yaMwari? Hadzizi nyaya dzekubudirira kwako here more than kuAdvancer kweMbiri yaMwari.
Hadzizi nyaya dzemari here, haizi nyaya yekuti mamwe maWorkmates ako they drive cars but iwe hauna, haizi nyaya yekuti maFriends ako they have fancy haristyles but iwe unopedza 2 months with the same weave, haizi nyaya yekuti mamwe maFace they can afford to take their girlfriends out but iwe haukwanise. Ukaona uchiva stressed about advancing yourself and your wealth more than advancing the Kingdom of GOD, chenjera kuti you are just like this rich fool.

 

Murume akabva awana strategy zvikanzi hazvinetse, I will destroy matura aripo and I will build mamwe mahombe. Arikumhanyisana nekuExpander storage yezvinhu zvake but kuti afunge zvekuExpander faith yake izvozvo hazvifungwe nekuti zvinonzi hazvina mari mukati. Nhai hama chauri kuda kuExpander nhasi chii? Istand yemba here kana kuti kutenda kwako munaMwari, unoda kuExpander business rako here kuti you want to expand your knowledge about GOD. Unoda kuExpander size yemota yako kana kuti size yeFaith yako.


even mumaChurch mune problem iyoyo yekuti leadership inogona kuvavarira kuda kuExpander church physically vachivaka but they are not concerned nekukudza mweya yevanhu vanopinda imomo. church munogona kutoExtander ikapera but ivo vanhu vanopinda church yacho vachipera kuBackslider nekuti vhangeri rinenge richiparidzwa week in week out ndere fund raising rather than faith raising. Vari kuda kuunganidza maFunds ekuti church evakwe, but vachiNeglecter kusimudza faith yekuti vanhu vakure muna Mwari.

 

Chinzwa unzwe pakazoita nyaya nemurume uyu the rich fool, hanzi kana ndavaka matura mahombe I will say to my soul “You have plenty of goods stored up for many years; relax, eat, drink, celebrate! Anoda kuudza mweya wake kuti dzikama hako don’t worry, idya upembere nekuti chikafu chiri tii.
nhai mweya wemunhu unodya chibage here? Does a human soul consume physical food? NO. Mweya wako unogona kuSuffer nenzara but imo mudumbu makazara nechikafu. Hazvidi chikafu chiri physical kuti upedze nzara yepaMweya but zvinotoda chikafu chepaMweya, zvinotoda shoko izvi, zvinotoda Jesu, zvinotoda Mwari wacho kuti akugutse.


My soul take it easy, relax, bhora pasi, this man is trying kuda kuComforter mweya wake using hupfumi hwake and hazvishande izvozvo. rega kuva munhu anoda kuComforter mweya wake nezvinhu, e.g wakatenga mota and you relax uchiti zvangu zvava bho, remember kuti that car no matter how fast it can go, no matter how powerful is the engine, it can not take you to heaven, zvinotoda Jesu. No matter watenga stand yakakura sei, ziva kuti chawatenga istand yepano pasi and not stand yekudenga. Kunyangwe ukapfeka hembe dzinoshamisira ziva kuti chawachenesa is your body and not your heart, kunyangwe ukaita muchato unoshamisira sei, ziva kuti wachata nemunhu and not naJesu. Jesus the groom of the church ane wake muchato uchauya. No matter how rich you might get, you can use that money to buy tickets into heaven the way you buy advance tickets for a musical show.

 

Kune maDevil worshipers vane mari yakawanda kwazvo, kune vanhu vasingazive Mwari but vakachata michato yakanakidza , kune mumwe anobata mishonga but ane mota hobho, kune mhondi dzine dzimba 2-2. But iyo pfuma iyo haizi riyo inovapa eternal life. the Kingdom of GOD is more than about getting rich. So rega kuda kuita pressure trying to compete with them  kuti ndinoda kuita zvinhu zvangu just like celebrity yakati.

 

Dai Mwari vaiConsider hupfumi hwemunhu then Lazarus the beggar ndiye munhu aifanira kuenda kuHell straight because he was poor, aiita basa rekudya zvadonha paTable and the rich man ndiye aifanira kupinda denga because aiva netunhu twake, but it didn’t work that way. Lazarus kudenga, the rich man kumoto.

handisi kuti vapfumi havaende kudenga but ndiri kuti what are you doing nepfuma yako, are trying to get more and more wealth kana kuti you want to get more more faith. Are you living according to the Word of GOD, are you supporting the poor or you are supporting your business efforts. And futi kana uri murombo harizi ticket rekuti unopinda denga, ukaitawo murombo asinganamate, asina kugamuchira Jesu, unotambura pano pasi and woenda futi kugehena. Double trouble.

The rich achipedza hake kuronga programme dzake then GOD spoke to him. Kwese uko Mwari vainge vakanyarara zvavo vachipa munhu grace period yekuti maybe angarongewe zvakanaka, iye munhu kwakuramba achironga tunhu twake up until GOD broke the silence. Ndiyo inonzi naMwari kuna Psalms 50:21 zvinhu izvi wakazviita ndikaramba ndinyerere, wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose.

Vanenge vakanyarara havo Mwari vanhu vachiDeclare mota, nedzimba but chihure chiitwa muChurch. maFastings ekupfuma achiitwa but huipi vanhu havasati vasiya. Ivo Mwari vakanyarara zvavo, but ichisvika zvayo nguva yekuti vachataura.

 

Yakati yakwana nguva yekuti Mwari vataure, the first 2 words “YOU FOOL”, “IWE BENZI” iwe mashoko iwawa hana kumira mushe. Haazi mufundisi akaudza mupfumi kuti you fool, havasi vanhu vemumaraini vane shanje vakaudza mupfumi kuti iwe benzi but ndiMwari vega vakaudza munhu mashoko iwayo, kuitira kuti ubate shuwa kuti uribenzi zvechokwadi. Dai pakatumwa vaparidzi, munhu aigona kungoti haaa mune jeloaus nemari yangu pastor, so Mwari vakati rega nditaure ndega, you fool, this night your soul shall be required of thee then whose shall those things be, which thou hast provided. Iwe benzi! Usiku huno chaihwo mweya wako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira.

 

Mweya uchatorwa, rufu kaUrwu. Hanzi ko zvinho iwo maSilo awavaka aya achatorwa nani. Kuri kunzi wafa nhasi, where will your soul go, mweya wako uchaenda kupi, izvo zvemota dzawasiya izvo dzinosara dzichitorwa nevamwe, unozvisiya pano pasi, you don’t go to hell neProperty yako, hauende kumoto neJagwa rako. Zvinosara pano pasi, so rega kuda kuita pressure nezvinhu zvaunosiya pano pasi, be more concerned about the eternal life.

Jesu akabva afananidza this rich fool nemunhu wese anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.

Start to be rich towards GOD, than kuvavarira kupfuma paNyama. Are you rich towards GOD kana usina kugamuchira Mweya Mutsvene, are you rich towards GOD iwe uchirarama muzvivi day in day out, are you rich towards GOD kana usingabate mabasa avanoda kuti ubate. Zviunganidzire pfuma kudenga kusina maArmed robbers anoba zvinhu zvacho than kuunganidza pano pasi.

 

Seek the Kingdom of GOD first and His righteousness and all these things shall be added unto you.

 

 

 

No comments:

Post a Comment