Thursday, 21 November 2013

Title: No deadlines Scripture reading: John 11.

Vanhu vazhinji they say kuti mhinduro yaMwari inonoka, but rega ndimbo explainer nyaya yekunonoka iyi. Kana munhu achinzi anonoka kuuya, it
means kuti pane time yatakawirirana kuti munhu anofanira kuuya. Kana
takawirirana kuti lets meet at 8 o’clock but quarter past 8 dzochaya
munhu asina kuuya then it means kuti munhu iyeye anonoka. Hatigone
kuudza munhu kuti wanonoka isu tisina kubvira tawirirana kuti lets
meet neNguva dzakati. So rega kubuditsa mashoko ekuti mhinduro yaMwari
inonoka but iwe usina time yamawirirana naMwari kuti meet me at my
point of need nenguva dzakati.

Problem yatinoita vazhinji is this: tinopinda muPrayer and tinopa
Mwari request yedu kuti Mwari ndinokumbira chinhu chakati nechekuti
before musi wa11 November. Isusu tisu tasetera Mwari date kuti musi wa
11. Ivo Mwari havazi rivo vaSetter date, maybe vane date riri earlier
or later. So musi wa11 ukasvika rega kubuditsa mashoko ekuti Mwari
vanonoka because iwe ndiwe wakaSetter time wega, you never agreed
naivo Mwari kuti musi wa11. God is faithful, Mwari vakatendeka, so
bvisa kaMindset kekuti mhinduro yaMwari inonoka. Vanonoka asi pane
time yamakawirirana kani.

Shoko ranhasi ndinoda kuti Mwari vatibatsire about idzo nyaya
dzeTiming idzodzi idzi, nekuti vazhinji tine maDates ataka maker
paCalender kuti musi wa31 GOD must do this, gore risati rapera Mwari
vanofanira kundiitira zvakati. Kana uine date rawakateya paCalender,
very sorry hako, Mwari vanogona kukuitira chinhu ichocho before that
date or after, so rega hako kuita Pressure nemadates.

Razaro akarwara and shoko richibva ratumirwa kuna Jesu, huyai kuno
shamwari yenyu yarwara. Jesu ane mbiri yekunzi akanzi huyai kuno mwana
waJairus arwara, he goes ikoko ipapo ipapo, haanonoke but in this case
paakaudzwa request haana kuenda kwaadeidzwa but He continued nebasa
rake. Let me tell you this maybe une prayer yawakaita kuna Mwari and
you are wondering kuti nei mhinduro isiri kuuya. Don’t worry zvako,
dziripo nguva dzekuti Jesu anodaidzwa but He just doesn’t come there
and there, anawo maReasons ekunonoka but ziva kuti delay is not
denial, zvinganonoke hazvo but kana nguva yakwana it will definitely
come to pass.

Jesu akadaidzwa kunzi arape Razaro arikurwara but haana kuuya ipapo
ipapo. Just imagine kurwadza kwazvo uri iwe Razaro, uchiiudzwa kunzi
kune vanhu vatumwa kunodeidza Jesu and they have returned but vauya
vega, Jesu wacho atosara hake achiparidza . How would you feel?
Zvinorwadza kuti ko inga wani we are friends, adiiko Jesu atuma zvake
anaPeter neHealing or Judas zvake than kundisiya  ndichirwara. And
period iyoyo manje ndiyo yekuti vanoseka vanobva vawana mukana, kuti
takakuudzai kuti siyanai navo anaJesu avo, hona you are sick but
aramba kuuya, busy preaching iwe uchitandadza kudai.

There comes a period yekuti vanhu vanokuseka uchizvinzwa or kukunyeya
usipo, kuti mazviona zvake zvekuda Church stereki izvi, right now ari
kutambura. Takambomuudza kuti usade kuwanza chiChristu, potawo uchiita
madhiri paCompany, potawo uchi Cheater murume/mukadzi wako, potawo
uchienda kunopihwa mishonga yekuti zvinhu zvako zvifambe. But rega
hako vaseke, rega vataure, rega vashore, the time shall come when GOD
shall put them to silence once and for all.
Lazarus akasvika pakufa iye Jesu asina kuuya. Its possible kuti
marriage yako inogona kusvika pakufa iyo mhinduro yaMwari isati yauya,
musika wako wemadomasi unogona kufa, but iyo mhinduro isati yauya,
business rinogona kuparara, you life can crumble down, your health can
deteriorate kusvika paComma kana kufa but iyo mhinduro yaMwari isati
yauya, but don’t give up. Ramba uchisumidza kutenda kwako.

Martha naMary vaiva neDeadline yavo, they expected kuti Jesu auye
Razaro asati afa, but guess what Jesus delayed, haana kubata deadline
racho. Maybe unawo maDeadlines awaka setter or awakapihwa neVanhu, you
told yourself kuti Mwari vakasandipa mhinduro before musi wakati then
hapasisina dhiri. Wakaudzwa neCompany kuti date rakati rikasasvika
usati waita zvakati then we will take action against you. maybe une
munhu akakuudza kuti he will give you feed back musi wakati and date
iroro rakapfura pasina chaitika. Let me tell you this, Jesu uyu ane
simba rinopfura maDates akatarwa nevanhu. Rega vanoisa maDeadlines
vaise havo, but iro date ravo iroro harigone kudzivisa simba raMwari.
Regai henyu Razaro afe, but chandinoziva ndechekuti Jesus is able to
raise him from the dead.

Hona chinhu ichi, dai Jesu akangouya faster faster paanodaidzwa, of
course Lazarus aipora but hona manje testimony yaifamba. Paingofamba
mbiri yeHealing chete yekunzi Razaro was healed, of which even n’anga
chaidzo can heal a person. So Jesu ano delayer kusvika Razaro afa so
that testimony inotanga kufamba ndeye kuti Razaro akamutswa kubva
muguva. A bigger testimony than yeHealing. So Razaro anofanira kumbofa
kumbofa so that mbiri yaMwari ionekwe, simba raMwari rionekwe hukuru
hwaro. Inga wani Jesu akabuda pachena akati This sickness will not
lead to death, but to God’s glory, so that the Son of God may be
glorified through it.”

Rega hako maDeadlines apfure, rega hako time ifambe, but its for the
glory of GOD. Nekuti zvinhu zvauri kuda zvikaitika within the normal
time, your testimony will be just normal but kana zvikaitika after
maDates ari normal, then that will be a greater testimony. So don’t be
worried about maDeadlines, ramba uchitenda mukogona kwaMwari. Lazarus
anosvika pakufa, nhamo ikaitwa akavigwa but still no Jesus. I don’t
know pasvika situation yako, maybe you buried it kare just like
Razaro, but even though you buried it, ramba uchinamata kuna Mwari.
Ichauya chete mhinduro, or even something better than  zvawanga
uchitarisira.

Chimbofunga hako kuti panhamo yaRazaro vanhu vanenge vachiti kudii iye
Jesu asipo. Zvinenge zvichinzi mavaona ka mafundisi venyu ava vekuti
vanoita basa rekuungouya vachimwa tea pano but Razaro paakarwara they
were no where to be found, kana ipo panhamo ipapo they are not there.
Rega hako vanoshora Mwari vako vashore, rega hako vanoshora Jesu
vashore but iwe ramba uchinamata chete, the answer will come.
Nyaya yaRazaro it’s a very long one but ndinogoda kuFocuser pane
maPoints akanangana neMusoro weMharidzo wekuti “no deadlines” so
that’s why ndiri kujamba jamba mamwe maVerse.

Jesu anoudza Martha kuti your brother shall raise again, iye Martha
wacho obva ati hongu ndinozviziva kuti yes achamuka paResurrection
pazuva rekuguma. Hona Problem yaMartha, ari  kuudzwa kunzi Razaro
achamuka but iye she thinks kuti hongu anomuka but pazuva rekuguma,
she is postponing the answer. Hama wadiwa, don’t postpone tarisiro
yako, rega kuisa tarisiro yako mune rimwe date rawaka marker
paCalender or rawakaisa reminder muFone, don’t put your hope in next
year, next month, next week or any other day in the future but put
your hope in Christ, because He is the resurrection and life. kana
atoripo Jesu, even today chaiye chaiye He can do something. Razaro
akamutswa naJesu iwo musi iwowo, haana kumirira resurrection
sezvaitarisirwa naMartha.

Jesu anovaudza kuti bvisai dombo riri paGuva. Instead yekuti vabvise
dombo they start to complain, hanzi aiwa Razaro ava ne4 days afa so
chitunha chake chava kunhuwa. Chitunha kana chikapedza nguva
chinotanga kunhuwa handiti, that’s the same with a dead situation,
problem yauri kuFacer ikapedza nguva yakareba isina kugadziriswa, it
begins to stink.it becomes unpleasant. Kuramba uchirwara, kuramba
uchifoira, kuramba uri rovha, kuramba uri single, kuramba
uchitambudzika nesame problem over and over.

Razarus went thru 3 maStages, 1-Kurwara, 2-Death; 3-kunhuwa but
izvozvo hazvina kutadzisa Jesu kumutsa Razaro, I don’t know kuti how
many stages have passed iwe uri paProblem yako, maybe zvakabva from
bad to worse, from worse to worst, maDeadline akatopfura kare, but
chandinoziva ndechekuti GOD is able, Jesus can reverse that situation.
4 days late munhu avigwa, but zvakagadziriswa wani. Don’t be worried
about the time. The power of GOD is not restricted nekufamba kwaita
nguva.

Dombo richibviswa, Jesu anopinda paPrayer yekutenda Mwari, haana
kukumbira kuti Razaro amutswe but akatenda Mwari iye Razaro asati
amuka. Problem yedu ndeye kuti tinoda kutenda Mwari after zvinhu
zvatiri kuda zvazadziswa, but ngatichinje and let us start thanking
GOD pasina kana chati chaita. Hazvina mhosva kuti maDates ataitarisira
kuti zvinhu zviite have passed pasina chaita, but let us thank GOD,
tenda Mwari kuti Ishe makaita basa nemhinduro yenyu yamakatumira.
Lazarus is still in the grave but Jesus gave thanks unto GOD, yes
situation yako haisati yashanduka but begin to give thanks, tenda
Mwari, havakunyadzise.

Lazarus come forth, Jesu akadeidza, Razaro ndokubuda. Ipo pacho
pambonzi 4 days kuzodii kuzodi, inga wani abuda Razaro wacho. Hazvina
mhosva kuti maDates awaka crosser paCalender have passed but mhinduro
haisati yauya, gore ratopera but resolution yakawati 2013 inofanira
kuzadziswa, reminder yawakaisa muFone uchiti on this date zvichaita,
promise yawakapihwa uchinzi we are going to call within 2 weeks
tichikupa feedback. Of course maDeadlines akapfura, but with Jesus
there is no deadline. His power can not be restricted nema dates
akatarwa nevanhu.

No comments:

Post a Comment