Conductor weCombi kana akaona kuti mari yakashota unomunzwa achiti
“ehh 1 asati abhadhara ngaandionewo, ehh kuBack seat uko mabhadara
mese here?”
the first area yaano suspecter kuti havana kubhadhara is the back seat
but do you know kuti maybe munhu asina kubhadhara is someone who is
seating padhuze naHwindi. But nekuda kwekuti back seat ine record
yekugara vanhu vasingabhadhare, ndiko kwaanofungidzira kuti ndiko kune
problem, izvo munhu asina kubhahdara is seating right next to him.
So there are times dzekuti unogona kufunga kuti enemy yako iri kuBack
seat, muvengi wacko ari nechekure but iye ari padhuze newe, the enemy
is so close to you. vanhu vazhinji they think kuti satan ari kure
stereki navo but iye atori mukati meChurch chaimo. Muchitoita yese
yamunoita muChurch but anenge atoripo zvake achida kuvhiringa zvinhu.
Imi muchifunga kuti satan ari kubhawa but anenge arimo muChurch imomo
through his agents.
Musoro weMharidzo ino unoti “An Enemy from within” kureva iko kuti ipo
pakati pedu sevatendi panogona kuita muvengi/mushandiri wasatan. Isu
tichifunga kuti tiri pamwe chete but iye anenge aine agenda yaainayo.
Jesu anotaura achiti beware of false prophets, which come to you in
sheep's clothing, but inwardly they are ravening wolves. Isusu vatendi
ndisu sheep handiti but pakati pedu panogona kuuya maWolves anenge
akapfeka dehwe rehwai, so that they can look like us, but mukati umo
ari makava zvawo.
muChurch munogona kutoita munhu akavinga kuzorara nevasikana
achiDumper. Munogona kutoita elder ane target yekungo nyenga vakadzi
vevanhu, amai vechikuru vakapinda muChurch kuzotsvaga vanhu vekuroya
navo, musikana akapinda muChurch kuzotsvaga vakomana vekuzora
chirwere, musatanist akapinda muChurch to recruit other people into
satanism, even kutoita leader/pastor anoshandira satan but iye
achitonzi mufundisi. An emeny from within, muvengi kubva pakati pedu.
Rega ndifambe nayo.
Pashoko redu, pane Man of GOD vatisina kuudzwa zita ravo vainge vabva
kuJudah vatumwa neshoko raMwari kuna Jeroboam who was the king over
Israel. Achipedza kutaura prophesy yaainge atumwa naMwari anobva
apinda paRoad achidzokera kuJudah kwaabva. Jeroboam obva ati aiwa
munhu waMwari handei kumba kwangu muwane kudya and ndikupei reward.
Man of GOD vakaramba vakati even if ukandipa half yeimba yako yese
handiende newe kana kudya chingwa chako or even kumwa mvura, handidi.
Nokuti I was commanded by the Word of The Lord kuti ndirege kudya
chingwa or kumwa mvura. And ndanzi ndisadzoka using the same road
yandauya nayo.
Man of GOD ava vagona kukunda miyedzo yabva kunaJeroboam. That’s Good.
Jeroboam ukatoverenga previous chapter you shall realise kuti
akagadzira zvimhuru zveGold zvaaida kuti vanhu vanamate, he wanted to
draw people away from GOD. so its easy kuti seMunhu waMwari ugone
kuramba kuterera zvinotaurwa nemunhu akadai because you know kuti
Jeroboam is being used by the devil. Saka miyedzo inouya neSide iroro
you can overcome them easily.
Do you know kuti munhu waunoziva kuti uyu musatanist uyo haagone
kukupinza pamiyedzo. Munhu waunoziva kuti uyu anoita mabasa akaipa its
very difficult kuti munhu iyeye anogone kuTempter muChristu. Its very
hard kuti mukomana asati agamuchira Jesu agone kunyenga nekumitisa
musikana who is full of the Holy Spirit, yes its possible but
zvakaoma kwazvo. Its very difficult for a drunkard to convince me to
drink beer. Zvakaoma kuti brother weChurch vakazadzwa neMweya Mutsvene
vanogone kupinzwa mumiyedzo nana boys vanoswera vakagara paBridge. Its
very hard kuti tsotsi raunoziva kuti iyi imbavha iyi agone kukuInviter
kuti handei kunoba iwe uri muChristu.
Munhu waMwari akagona kukunda miyedzo yakabva kuna Jeroboam, that’s
very good but hapazi ripo panoperera nyaya. Hongu miyedzo iri outside
the church wagona hako kuyikunda but kune imwe type yemiyedzo
inokutevera muChurch. The devil does not give up easily, kana apedza
plan A and it fails he goes on kuPlan B, if Plan B fails he goes to
Plan C zvichingodaro kunosvika kana kuPlan Z chaiko. So mira
kuCelebrator kuti doro wakasiya, fodya hauchapute, mukadzi haucharove,
you no longer cheat, steal, lie etc. hongu miyedzo yekunze uko
wakakunda but kune imwe miyedzo yemukati. Yes munhu waMwari miyedzo
yaJeroboam makunda henyu but kune zvimwe zvichada kukuteverai muRoad
umo.
Man of GOD vachikunda miyedzo yaJeroboam vanobva vapinda paJourney
yavo vachidzokera kuJudah. But manje muGuta maari kubuda umu there was
an old prophet and vana vemuporofita uyu vakaudza mudhara wavo about
all the things that had been said neMunhu waMwari who was on his way
out of the city. maChristu vanogona kusvika panguva yekuti they talk
about mumwe mutendi, kwete kuti varikutaura zvakaipa asi kuti vari
kutaura zvakanaka. Kuti haa musikana uye anoimba zvakanaka kuChoir,
brother nhingi vanogona kuparidza, baba nhingi vanofarira kubatsira
maActivities eChurch nemari, amai nhingi makes sure kuti paChurch
pakachena etc etc. that’s the same zvakaitwa nevana vemuporofita uyo,
they told their father about this man of GOD.
But chinowanzoitika manje pama discussions aya ndechekuti some people
can get jealous, anoita shanje kuti ahhh chiiko chinoshamira
pakuparidza kwake iye mudhara iyeye uyu, whats so special about the
way she sings, chiiko chanyanya kushamisa pamabasa ake aanoitira
church. And that spirit of jealous inogona kutuma munhu kuita zvakaipa
against munhu ari kunzi ane mabasa akanaka uyu.
don’t be jealous about what other people are doing in the Kingdom of
GOD nekuti ukadaro uchapedzisira waita zvakaipa
Old prophet ava pavakati vachiudzwa zvese zvaitwa naMan of GOD vakabva
vabvunza vana vavo vakati kuti aenda nekupi munhu waMwari wamataura
uyu? ndigadzirirei dhongi ndimutevere.
motive yatuma muporofita uyu kuda kutera munhu waMwari hatina
kuyiudzwa, zvichida maybe inyaya yeJealous yandataura pamusoro apo or
any other factor. But motive yemuporofita uyu was bad, uchaona hayo
kuipa kwayo as we proceed.
Kune vamwe vanhu vemuChurch vanogona kukutera muLife mako ivo vaine
motive yakaipa. Mumwe anogona kukutera with an aim yekukuvahara mari
but imi muchinamata mese, mumwe aine aim yekurara newe and dump you
apa uchiti ndiBrother veChurch, mumwe anogona kuto volunteer kuti
ndinoda kuita treasurer weChurch but chinangwa chiri chekupota achiba
mari dzabviswa, mumwe anogona kutoita Pastor weChurch with an aim of
emptying homwe dzevanhu and achizadza yake. Old Prophet ava he is a
prophet but arikutera Munhu waMwari with an aim yakaipa.
Hanzi nemuporofita ndigadzirirei dhongi nditevere Man of GOD ava.
Dhongi kuitira nyaya dzeSpeed kuti ndikurumidze ndabata munhu wangu.
They are people vane imwe speed yekuda kukuvhiringa chaiko, wega
unonyatsoona kuti ah ah ah uyi arikumhanya uyu, nezuro ainditi I love
you but 3 days later arikuti handei kuLodge, ahh whats the rush. Old
Prophet vaida dhongi kuitira kuti vakurumidze vasvike pane target
yavo. Kune vamwe vatendi vane pressure chaiyo, speed isina kumira
mushe nechikonzero chekuti vanoda kukubata kuti vakuvhiringe.
unonyatsoona wena kuti dzungu randiri kuitirwa nemunhu uyu harizi
rega, pane motive iripo.
Old Prophet vachibva vatera munhu waMwari and vakamuona akagara pasi pemuti.
ndipo pakutangira nyaya yese apa, ndipo pavakutangira Mharidzo yedu
yekuti an enemy from within. Kumusoro uko it was just a build up
yekuti ubate the back ground yezvinhu. Wakamboona zvinoitwa bhora
paTV, vanogona kuAdvertiser kuti they are screening the match from
2:30 p.m. but ukabatidza TV time iyoyo vanenge vachito taura zvavo
nyaya vachiita inonzi build up, discussing about line up yemaTeam
achatamba nezvimwe zvakawanda wanda, bhora rozotanga zvaro na3. That’s
the build up. Iyo yese yanga iri build up iyi, but now rega
ndichisvike pamoyo weMharidzo.
Right, Old Prophet vasangana neMunhu waMwari, both of them they have
one main in common. vanoServer Mwari mumwe chete. There are times
dzekuti you can meet nevamwe maChristu vanonamata the Same GOD who is
Jehovah in the name of Jesus, but vane kamwe kakunyengera kavainako
kanogona kuvhiringa zvinhu. You can feel comfortable in their
presence, unonyatso relaxer uchiti ndine vanhu vaMwari but usingazive
kuti pane inoda kutambika. Unonyatsoenda kumba kwaMufundisi, kwaElder,
kwaMuvhangeri uchiti ndinoda kunamatira, you feel safe zvisingaite but
unozovhunduka pakati pekunamata waona munhu ava kubata bata muviri
wako. You can feel safe nanaBrother Nhingi, nana Sister nhingi, but
you will be shocked wava kuona munhu achiPlayer disc rePorno. An enemy
from within.
Old Prophet vachiona munhu waMwari akagara pasi pemuti he asks kuti
ndiwe here Man of GOD vabva kuJudah? Shasha ikapindura zvikanzi ndini.
Muporofita akaenderera mberi akati handei kumba neni tinodya.
hona chinhu ichi, munhu waMwari arikupinzwa paSame miyedzo
yaambopinzwa naJeroboam. Iyo yekunzi handei tinodya iyoyo ndiyo
yavakudzokorodzwa. Its like kuridza CD reMusic mune imwe radio.
Ndinogona kuridza CD muCar radio but maSounds acho otadza kubuda
zvakanaka, but ndotora that same CD ndoriisa paHome theatre ine Sub
woofer, maTwitter, nehumwe hwanganda ngwanda hweMaSpeaker. Do you know
kuti zvinotosiyana chete?
Same song iyoyo but kana ikagona kuridzwa mune radio iri nani
unonyatsonzwa madhudhucha achibuda bho, waya dzese dzemagitare
dzichibuda 1-1. maBacking Vocals achibuda zvakanaka. Imwe speaker
achibuditsa a different sound from another speaker zvekuti unonakidzwa
so. Im sure to those who have tried it unogona kundipupurira kuti kune
mamwe maSongs anonakidza kana achirira paRadio svinu than uchiaridza
muPhone. Same song but different results.
Ndiyo yakatambika apa, same temptation, but yakachinja source chete.
Jeroboam akayedza munhu waMwari kuti handei tinodya but akaramba and
that same temptation ndiyo yazouya naOld Prophet. Oh oh oh my GOD, be
very careful, kune mimwe miyedzo yauri kufunga kuti wakapedza nayo but
chenjera kuti miyedzo iyoyo inongo chinja side rainobva nayo chete.
Hanti wakaramba mukoma nekuti aida kurara newe, but unogona kusangana
naBrother vemuChurch vanouya neSame muyedzo iwowo. Hanti wakaramba
maDhiri echitsotsi nevamwe vanhu, but Elder vekuChurch vanogona kuuya
nesame type yemadhiri kwauri. Handiti wakaramba zvekushandisa juju
kuNyika uko, manje pastor chaivo vanogona kuuya nemiyedzo iyoyo futi.
Same CD but different radios. Same message but different messengers.
Same temptation but different tempters.
chenjera hama, kana waramba chinhu, regedza kuzoda kuchibvuma nekuti
chauya with another person. Kana tati mvura yamuChamber hatimwe, lets
not change our position nekuti tazoenda kuBorrowdale tikaona kuine
maChamber akachena than edu ekuMbare atajaira. No ramba chawaramba
zvisinei kuti chauya neSide ripi. Imo muChurch imomo kana ukasangana
nemiyedzo yawakaramba kunyika uko, stand your ground. Ramba kuti ahhh
ahh Old Prophet izvi handiite izvi, imi Elder yamuri kusasa iyi
haibate getsi. Iyi yamakutaura amai iyi handidi.
Old Prophet vachiudza man of GOD, kuti ngatidzokerei kunodya kumba
kwangu,. Munhu waMwari akabva aramba akati aiwa ndanzi naMwari ndirege
kudya chingwa, kumwa mvura, kana kudzokera nenzira yandabva nayo. At
first agona kuResistor miyedzo but old Prophet havana kubva warova U
turn kuti regai ndidzokere kumba nekuti zvandanga ndichida zvaramba.
The old prophet did not abandon his mission but he soldiered on. Let
me tell you this, the enemy from within is not going to give up nekuti
waramba the first temptation yake, (s)he will keep on pressing on.
Old Prophet vachiona kuti first attempt yaramba vakabva varova 2nd
attempt zvikanzi “kana neniwo ndiri muporofita sewe and mutumwa auya
kuzondiudza shoko raMwari kuti dzosa munhu iyeye kumba kwako kuti adye
chingwa nekumwa mvura”
but Bible rabva rabuda pachena richiti but he lied. Old Prophet
vaitonyepa zvawo.
Muporofita uyu but arikunyepa, and arikunyepera mumwe munhu waMwari.
no matter munhu angave nePosition ipi muChurch, no matter angave
achashandiswa naMwari zvakaita sei, ziva kuti he/she still a person
and anogona kukunyepera. Romans 3:4 yobva yati, let God be true, but
every man a liar.
Mwari chete ndeye asinganyepe but munhu anogona kukudza manyepo, a
person can lead you astray with lies. Zvakuda kuti uise kutenda kwako
muna Mwari more than vanhu.
Kwanhasi togumira pano, let us continue mangwana with Part 2
No comments:
Post a Comment