Panotanga mamwe maSeries kana maSoap vanotanga ne “previously”
havangotange nekupinda paEpisode yemusi iwowo but vanotanga
nemaSeconds mashoma or even a minute yavanobuditsa maHiglights
ezvakaitika in the previous episode(s).
So tisati tapinda paMharidzo yanhasi, let us start ne “previously”
kuitira kuti vamwe vasina kuverenga part 1 vagone kubata kwakatangira
nyaya so that vave neFull understanding yeShoko rese.
paPart 1 takaona a Man of GOD vakatumwa naMwari on a mission kuna
Jeroboam but ainge audzwa kunzi rega kudya chingwa, kumwa mvura or
kudzokera using the same road yawauya nayo. After finishing basa
raainge apihwa naMwari, Jeroboam tempted this man of GOD achimuti huya
kumba kwangu so that you can eat. Munhu waMwari akaramba akati
hazviite, even if ukandipa half yeimba yako, I will not come with you
nekuti shoko raMwari randirambidza kudya kana kumwa. Man of GOD ava
vatisina kunzwa zita ravo vakabva vapinda muRoad vachidzokera zvavo
kumaraini kwavo.
It happened kuti kune vana veMuporofita watisina kuudzwa zita rake
vakaona zvese izvi zvakaitika vachibva vaenda kunoudza baba vavo. This
old prophet achinzwa nyaya idzi akabva atora dhongi rake akapinda
muroad achitera munhu waMwari uyu ainge ava kudzokera kumba kwake. Old
prophet kwakuona munhu waMwari akagara pasi pemuti kwakumuti dzoka
kumba ndikupe food. Shasha ikaramba ikati kwete ndanzi naMwari dont
eat bread or drink water.
Old prophet vachibva vanyepa zvikanzi kana neniwo ndiri muporofita
sewe and an angel yauya kuzondiudza shoko raMwari kuti dzosa munhu
iyeye kumba kwako kuti adye chingwa nekumwa mvura.
Ndipo pataka gumira paPart 1, takasiya munhu waMwari audzwa naOld
prophet kuti dzoka kumba kwangu udye nekuti mutumwa auya neshoko
raMwari rekuti udzoke.
Have you noticed kuti mazita evanhu ava hatina kumaudzwa, umwe angonzi
Man of GOD (Munhu waMwari) mumwe wacho achibva anzi Old Prophet
(muporofita mutana). Their actual names are not given but tangoudzwa
maTitle avo. Izvi zvinongoreva kuti it can be anyone, iwewe you can be
the man of God, or you can be the old prophet, uchaona kuti muLife
yedu yanhasi zvinhu zvakaitika pakati pevanhu 2 its also happening
today between many people. So rega kufunga kuti inyaya dzeku Israel
chete but ziva kuti imo muno muZimbabwe it can happen to you, iko
kuSouth ikoko chinogona kutochaya, iko kuMoza ikoko it might be you.
it can happen to anyone.
Old Prophet vakasvika vakaona munhu waMwari akagara pasi pemuti
handiti, remember kuti this person haasi kudya kana kumwa mvura. So
chinogona chamutuma kugara pasi inyaya yenzara or kuneta, since ari
kufamba journey netsoka apa anzi naMwari rega kudya. There are times
dzekuti you can get tired, unosvika paunoneta and panguva iyoyo ndipo
panowanzokuuya miyedzo.
waneta nekushaya mukomana ari serious, vese varikuda kukushandisa
chete, at that moment yaunenge waneta woti regai ndigare pasi, let me
take a leave from maRelationships, ndipo panowanzo kuuya ana Old
prophet kuzokunyengera, ndipo panowanzo kuuya mumwe brother
anokunyepera zvekuti unopedzisira wawira mumaProblems. Uchifunga kuti
he is honest but iye aine the same motive ine vamwe vakomana
vekunyika.
There comes a time yekuti unoneta uchiti ahh I have been praying for a
very long period but situation yangu yaramba kuchinja, nhamo yaramba
kupera, mari yaramba kubatika, hurwere hwaramba kupera, basa raramba
kubatika, ipo paunoneta ipapo and you decide to take a rest, you
decide kuti ahh zvekuChurch zvacho rega ndimbosiya, kana kunamata
kwacho rega ndimbomira, ndipo muvengi paanotora advantage, he comes
kwauri aine mission yekukurasisa. Ndipo paunopihwa maIdeas ekuita
zvinhu zvinopesana neShoko raMwari.
munhu waMwari akaonekwa akagara pasi peMuti, zvekuti dai akaramba
achifamba maybe old prophet vaigona kutadza kumubata, but the fact
that he took time yekugara pasi, ndizvo zvakazoita kuti abatwe. Rega
kugara pasi, no matter waneta, keep on moving, hongu you have been
praying for this and that for a long time but hazvisi kufamba, but
rega kuStopper nekuti the moment yauchati let me take a rest, ndipo
pauchabatwa nemiyedzo yekutadzira Mwari. Be alert every time. Don’t
take a rest from praying.
Old Prophet vakaudza munhu waMwari zvikanzi kana neniwo ndiri
muporofita sewe and mutumwa auya kuzondiudza shoko raMwari kuti dzosa
munhu iyeye kumba kwako kuti adye chingwa nekumwa mvura” bata mashoko
ekuti ndiri muporofita sewe, I am a Prophet like you. yahh ndiyo imwe
one strategy isina kumira mushe manje iyi.
Elder vanogona kukudza kuti shamwari ngatiite dhiri iri iwe wobva wati
hazvite nekuti zvine chitsotsi mukati, but he will tell you kuti I am
a Christian like you, ndiri muChristu sewe.
Brother vanogona kukudza kuti lets us sleep together, iwe uchiti its
fornication hazviite, he will tell you kuti iwe im a Christian like
you.
iro statement rekuti I am a Prophet like you, mudhara uyu arikuedza
kuudza mumwe wake kuti shamwari, there is nothing special about you,
gift yauinayo ndinayowo futi.
Mumwe mutendi chaiye can tempt you achishandisa statement irori iri,
ndiri Pastor sewe, regai kupusa munhu waMwari, vanhu ngavakupei mari
ava muri kuvaregerera.
ndiri muChristu sewe, usajairirwe naMai nhingi, tell her where to get off.
ndiri munhu waMwari sewe, hapana chakamboipa kuti uite small house.
the enemy from within anoda kukuisa muSame bracket naye zvekuti
unosvika paPoint yekuti unoti haa shuwa he is right, she is right rega
ndiite zvaataura. We are all the same.
Munhu waMwari anyatsoudzwa kunzi rega kudya kana kumwa mvura but here
comes another Old prophet with a different message. Bible rinoti kuna
Galatians 1:8 But even if we (or an angel from heaven) should preach
a gospel contrary to the one we preached to you, let him be condemned.
kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati
riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!
muChurch umu mazara vanhu vanoparidza vhangeri rinopesana neShoko
raMwari, iye Mwari vachiti turn left, iye anenge achiti turn right.
Ivo Mwari vachiti don’t eat or drink, but iye Old Prophet arikuti eat
and drink. But Bible rati even if an angel preaches a different
message, let him be accursed. But hona manje zvakaita munhu waMwari,
he fell for the lie, kwakuterera old prophet instead yekuterera Mwari.
Rega kuva munhu anoterera Mufundisi, Bishop, Apostle, Prophet, etc
kupfura Mwari. Let GOD be above everyone, avo vese avo vanhu venyama
they can lie to you just like zvakaitwa naOld prophet to the Man of
GOD. so iva munhu anoterera Mwari more than vanhu vaMwari. Im not
saying usaterere vatungamiri but ndiri kuti kana Mutungamiri
akaparidza vhangeri rinopesa neShoko raMwari then iwewe sarudza
kuterera Mwari than kuterera munhu.
Take this example, David akaudza Prophet Nathan kuti ndinoda kuvaka
Temberi yaJehovah, zvikanzi naProphet go ahead uite zvese zviri muMoyo
mako Mwari anewe. But Mwari vakazoenda kuna Prophet vakamuti enda
unoudza David kuti iwe haungandivakire temple. (2 sam 7). Nathan was a
true Prophet but anoudza David kuti vaka hako Temberi Mwari anewe, but
ivo Mwari vachiti kwete usavake. so nyaya haizi yekungogumira pane
zvinotaurwa naProphet, Bishop, Pastor, Apostle etc etc but ndezve
kunzwawo kuti Mwari wacho ari kuti kudii.shuwa Prophet vanogona kukupa
go ahead but ivo Mwari vachiti stop.
Mufundisi vanogona kukupa advice based on experience yavo rather than
on what GOD wants, so chikuru gona kuita hukama naMwari hwakasimba
zvekuti unopota uchibvunza ivo Mwari vacho direct. Im not against any
Minister, Its good kuterera nekubvunza vanhu vaMwari, but its far much
better kupota uchibvunza Mwari wacho through prayer kuti unyatso bate
zvokwadi.
An enemy from within, Jeroboam akatadza kukanganisa munhu waMwari but
the old prophet akazvigona. Hongu pfambi dzekubhawa dzinogona
dzakatadza kukupinza muhupombwe mazuva awaidhakwa, but iwo madzimai
emuChurch iwayo can lead you into adultery. hongu boys rawaitamba naro
kumaraini vakatadza kukupinza muzvinhu zvakaipa but ana brother
vemuChurch can push you into bad things, hongu maFriends ekunyika
vakatadza kukupinza muLife yemaSugar daddy but ivo vasikana vemuChurch
ivavo can push you into it. there is an enemy within the camp, paita
muvengi pakati pedu.
Munhu uyu haana kunzi False prophet but anzi Old Prophet, muporofita
mutana. Zvichireva izvo kuti he is a Prophet of Jehovah. Hatina
kuudzwa kunzi ainge achiri kuporofita here kana kuti kwete zvichida
maybe akarasa network but he is still a prophet, but hona anoita tsika
yekunyepa. So you can meet someone anotonzi a Prophet, Evangelist,
Pastor etc but chinangwa chake hachina kumira mushe, akaLoader manyepo
mukati.
Old Prophet munhu ane experience nezvinhu zvaMwari since he is old, so
anogona kukushandisira experience more than revelation yabva
kunaMwari. there are people vane experience neshoko raMwari zvekuti
they can twist it to mislead you, rinogona kumonyororwa Bible zvekuti
wega unofunga kuti yaaah this is correct but iwo ari manyepo. So kana
iwewe usingazivewo shoko raMwari uri paTight, because kana
rakashandiswa zvisirizvo you wont be able to know kuti is this wrong
or right. Zvakuda kuti ugare uri munhu anoverenga shoko, meditate on
the word of GOD zvekuti if someone tries to twist it, unogona
kuzvibata faster faster.
Imwe mistake yakaitwa nemunhu waMwari, after audzwa kunzi lets go back
home kunodya. He never took time to ask GOD, haana kumbobvunza Mwari
through prayer kuti Nhai Ishe ichokwadi here kuti mati ndidye zvangu.
After being convinced naOld Prophet he just listened instead yekuti
abvunze Mwari kuti ichokwadi here ichi. How many times paunoudzwa
zvinhu zvinopesana neShoko raMwari but you don’t take time yekunamata
uchibvunza Mwari kuti ichokwadi here chiri kutaurwa nemunhu uyu. hongu
old Prophet vataura zvavataura, but pindaiwo paPrayer munhu waMwari
mubvunze Mwari wacho kuti ichokwadi here ichi chiri kutaurwa nemutana
uyu.
Hongu mufundisi vataura havo zvavataura but pindawo paPrayer ubvunze
Mwari kuti is this correct. Problem ine vanhu vazhinji ndeye kuti
akanyaya kubatwa neChurch doctrine more than Shoko raMwari ndosaka
uchimunzwa achiti church yedu hairambadze chakati nechekuti. Church
yedu inobvumidza chakati nechekuti. O.k. watiudza nyaya yeChurch
yenyu, ko iye Mwari anoti kudii pamusoro pechinhu ichocho, what is GOD
saying about that thing what is the Bible saying about that thing.
Hongu Old Prophet vati idyai tsano, but Mwari varikuti kudii. Hongu
church yakupa green light but what is GOD saying. Hongu shamwari yako
yaunopinda nayo church yati its o,.k but ko Mwari varikuti kudii.
Dai tagona kuterera Mwari more than kuterera vanhu. Kana vanhu
vachinge vaparidza shoko rinopesana neshoko raMwari, let us choose to
follow the Word of GOD than the word of men. Kana wapihwa zvima
explanations or huTheology theology zvinokuvhiringa, pinda muPrayer
and ask GOD for answers, nekuti vanhu vachenjera ufunge, unogona
kushandisirwa zvima greek words, maHebrew words, ugopihwa rimwe
ziDefinition rinokutenderedza musoro zvekuti unosara wava neConfusion.
You can be misled nevanhu vakachenjera, so rega kuda kuthemba
nepfungwa dzako but pota uchibvunza Mwari kuti is this true.
Jeremiah 33:3 inoti Call unto me, and I will answer thee, and shew
thee great and mighty things, which thou knowest not.
Mwari vanotoda kuti uzive zvokwadi, so pota uchivabvunza zvausiri
kunzwisisa than kukabira zvese zvese.
Initially ndichirevenga nyaya iyi ndakafunga kuti inokwana pa1 sermon,
but ndichitnga kuyiparidza ndakaona kuti inoda 2 maParts but right now
ndatoona kuti inotoda part 3, so kwanhasi togumira pano, and mangwana
we go on to part 3. Mwari vachinditungamira, part 3 must bring a
conclusion but kana ikatadzawo I will keep on continuing kusvika
Mwari pavenge vandisvitsa.
But the main point from Part 2: kana ukanzwa shoko rinopesana nezviri
muBible, rega kungokabira but bvunza Mwari through prayer. Terera
Mwari more than kuterera zvinotaurwa nevanhu.
No comments:
Post a Comment