Kwete neChingwa
bedzi (Part 1)
‘Munhu haararame
nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.(Mateo
4:4).
Bible harina
kuramba nyaya yechingwa but rati munhu haarame nechingwa bedzi, chingwa hachina
kunzi hachina basa but hanzi munhu haararame nechingwa bedzi. chingwa
chirikurehwa apa haazi lobels chete but the scripture is referring to all food.
munhu haangararame nechikafu bedzi asi neshoko rimwe nerimwe rinobva kuna
Mwari.
hongu food ine
basa but haazi riyo yega inofanira kukuraramisa, ukashayiwa food even kunamata
kwacho kunogona kunetsa, ndipo paye pekuti mweya unenge uchida kunamata but
nyama yakaneta. panyaya yePhysical bread (food in general) hapana problem apo,
almost everyone understands it nekuti vakapinzwa lesson naMr Hunger, nzara
inokudzidzisa kukokosha kwechikafu, but paita nyaya panhau yeSpiritual food,
kudya kweMweya kunova iko shoko raMwari, ndipo pandinoda kutaura nezvapo muzuva
ranhasi.
munhu
haangararame nechingwa bedzi, but nhasi kwaita vanhu vamwe varikurarama
nechingwa chete they are living on physical food alone but shoko raMwari
haadye, kureva kuti its either verse irikunyeba kuti munhu haararame nechingwa
bedzi or it means kuti munhu iyeye haazi kurarama. he/she is just in existence
but spiritually dead. regai Jesu ati let the dead bury their own dead, regai
vafakafa vivige vakafa vavo, he knew kuti kune vamwe vanhu vapenyu but ivo vari
vashakabvu,
check your life,
kuti uri mupenyu here zvichida hausi kurarama nekuti urikushayiwa shoko rinobva
kuna Mwari. The Bible is clear munhu haararamwe nechingwa bedzi, koi we hama yangu
urikurarama nei usina shoko raMwari
vamwe vanorova 3
meals a day, vamwe vanodya, 2 meals, vamwe vanowana 1 meal vamwe ndivo
vanopedza zuva rese achingodya chete, makuseni anodya porridge, na10 omwa tea,
kuma 11:30 odya yavanoti brunch, 1 o’clock orova lunch, kuma 4 orova tea
yekudoka kwezuva, around 7 odya supper, before bed omwa futi tea, pakati
pemanheru anomuka achidya zviri muFridg but hana tava kudya pamweya (kuverenga
shoko) munhu anogona kudhonza 1 week asina kudya, munhu anogona kurova mwedzi wese
without studying the Bible, ndinobva ndaita mubvunzo kuti murikurarama sei
musina zvacho zvakataurwa naMwari kuti munhu haagone kurarama asina, how are
you surviving or you are already dead.
kana zviri
zvekudya chete, vana vevanhu ndiyo area yavanoita make sure kuti all is in
place, table inosettwa pagowaridzwa machira paTable, mvura dzekugeza maoko
dzigodziswa, maToothpicks agoiswa apo, kana ipo pakubika pacho all due
diligence is taken, salt inoitwa make sure kuti yaiswa yakakwana, kwete
yakawandisa or shoma, mafuta achiita kunyatsokudhururwa nekuti ndizvo
zvaanofarira munhu, tuma spices, tuChili, zvakasiyana siyana zvinototi zviiswe
muchikafu, but handei pakuverenga Bible apo, ummmm, zero zero chaiyo.
munhu anozozunza
dust kubva paBible rake kana ava kuenda kuChurch musi weSabata ndipo
paanoriverengawo, paye panonzi naPastor lets open our Bibles from the book of
chakati chakati. and pamwe pacho unoona munhu achitsvaga judges kuNew
testament, kana kutsvaga Colossians kuOld testament. kutaridza kuti neBible
rake havana hukama, havazivane, but kumuti show me kuti matemba anobikwa sei,
muriwo une dovi unobikwa sei, anokuudza imwe recipe yekuJapan yaakaGoogler
paInternet. umwe haatorina Bible racho, kwete nekuti haana mari, aiwa, mari
anayo nekuti pantry yakazara haizi kufema nechikafu, kitchen unit yakazara
chaizvo, mari iripo but chashayikwa mumunhu ihanya nechido chekuitawo Bible uye
kuriverenga
kana ari maTable
manners and eating tips munhu anoaziva, kuti fork inobatwa kuLeft, banga
kuRight, izvi zvinodyiwa so and so, ichi chinoiswa salt, icho chinoiswa sugar,
but tikati tipeiwo maBible study techniques haaa panoita nyaya, izvozvo munhu
haana idea. how are we living kana tichingoda zvedumbu chete but zvemweya
tisingabate.
mumwe haaverenge
Bible nekuti nguva yacho yekuverenga haana. Time yaanoshaya ndeyekuverenga
Bible but yekudya haishayikwe, no matter how busy he can get kuLunch haatadze
kuenda, breakfast haarege kudya but Bible hariverengwe. Zviri nyore kuti aende
kunorara asina kuverenga Bible but kuti arare asina kudya hazviite.
Akatosarudza kunonoka kuenda kunorara achibika kuti adye but kuti anonoke
kurara achiverengawo Bible, zvinomuremera.
Dai tatendeuka
panyaya iyi, kukoshesa kwatinoita kudya dai kwava iko kukoshesawo kwatinoita
kuverenga Bible, nekuti munhu haararame nechingwa bedzi asi neshoko rimwe
nerimwe rinobva kuna Mwari.
No comments:
Post a Comment