Monday, 4 May 2015

Kwete neChingwa bedzi (Part 1)

Kwete neChingwa bedzi (Part 1)

‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.(Mateo 4:4).

Bible harina kuramba nyaya yechingwa but rati munhu haarame nechingwa bedzi, chingwa hachina kunzi hachina basa but hanzi munhu haararame nechingwa bedzi. chingwa chirikurehwa apa haazi lobels chete but the scripture is referring to all food. munhu haangararame nechikafu bedzi asi neshoko rimwe nerimwe rinobva kuna Mwari.
hongu food ine basa but haazi riyo yega inofanira kukuraramisa, ukashayiwa food even kunamata kwacho kunogona kunetsa, ndipo paye pekuti mweya unenge uchida kunamata but nyama yakaneta. panyaya yePhysical bread (food in general) hapana problem apo, almost everyone understands it nekuti vakapinzwa lesson naMr Hunger, nzara inokudzidzisa kukokosha kwechikafu, but paita nyaya panhau yeSpiritual food, kudya kweMweya kunova iko shoko raMwari, ndipo pandinoda kutaura nezvapo muzuva ranhasi.

munhu haangararame nechingwa bedzi, but nhasi kwaita vanhu vamwe varikurarama nechingwa chete they are living on physical food alone but shoko raMwari haadye, kureva kuti its either verse irikunyeba kuti munhu haararame nechingwa bedzi or it means kuti munhu iyeye haazi kurarama. he/she is just in existence but spiritually dead. regai Jesu ati let the dead bury their own dead, regai vafakafa vivige vakafa vavo, he knew kuti kune vamwe vanhu vapenyu but ivo vari vashakabvu,
check your life, kuti uri mupenyu here zvichida hausi kurarama nekuti urikushayiwa shoko rinobva kuna Mwari. The Bible is clear munhu haararamwe nechingwa bedzi, koi we hama yangu urikurarama nei usina shoko raMwari

vamwe vanorova 3 meals a day, vamwe vanodya, 2 meals, vamwe vanowana 1 meal vamwe ndivo vanopedza zuva rese achingodya chete, makuseni anodya porridge, na10 omwa tea, kuma 11:30 odya yavanoti brunch, 1 o’clock orova lunch, kuma 4 orova tea yekudoka kwezuva, around 7 odya supper, before bed omwa futi tea, pakati pemanheru anomuka achidya zviri muFridg but hana tava kudya pamweya (kuverenga shoko) munhu anogona kudhonza 1 week asina kudya, munhu anogona kurova mwedzi wese without studying the Bible, ndinobva ndaita mubvunzo kuti murikurarama sei musina zvacho zvakataurwa naMwari kuti munhu haagone kurarama asina, how are you surviving or you are already dead.

kana zviri zvekudya chete, vana vevanhu ndiyo area yavanoita make sure kuti all is in place, table inosettwa pagowaridzwa machira paTable, mvura dzekugeza maoko dzigodziswa, maToothpicks agoiswa apo, kana ipo pakubika pacho all due diligence is taken, salt inoitwa make sure kuti yaiswa yakakwana, kwete yakawandisa or shoma, mafuta achiita kunyatsokudhururwa nekuti ndizvo zvaanofarira munhu, tuma spices, tuChili, zvakasiyana siyana zvinototi zviiswe muchikafu, but handei pakuverenga Bible apo, ummmm, zero zero chaiyo.

munhu anozozunza dust kubva paBible rake kana ava kuenda kuChurch musi weSabata ndipo paanoriverengawo, paye panonzi naPastor lets open our Bibles from the book of chakati chakati. and pamwe pacho unoona munhu achitsvaga judges kuNew testament, kana kutsvaga Colossians kuOld testament. kutaridza kuti neBible rake havana hukama, havazivane, but kumuti show me kuti matemba anobikwa sei, muriwo une dovi unobikwa sei, anokuudza imwe recipe yekuJapan yaakaGoogler paInternet. umwe haatorina Bible racho, kwete nekuti haana mari, aiwa, mari anayo nekuti pantry yakazara haizi kufema nechikafu, kitchen unit yakazara chaizvo, mari iripo but chashayikwa mumunhu ihanya nechido chekuitawo Bible uye kuriverenga

kana ari maTable manners and eating tips munhu anoaziva, kuti fork inobatwa kuLeft, banga kuRight, izvi zvinodyiwa so and so, ichi chinoiswa salt, icho chinoiswa sugar, but tikati tipeiwo maBible study techniques haaa panoita nyaya, izvozvo munhu haana idea. how are we living kana tichingoda zvedumbu chete but zvemweya tisingabate.

mumwe haaverenge Bible nekuti nguva yacho yekuverenga haana. Time yaanoshaya ndeyekuverenga Bible but yekudya haishayikwe, no matter how busy he can get kuLunch haatadze kuenda, breakfast haarege kudya but Bible hariverengwe. Zviri nyore kuti aende kunorara asina kuverenga Bible but kuti arare asina kudya hazviite. Akatosarudza kunonoka kuenda kunorara achibika kuti adye but kuti anonoke kurara achiverengawo Bible, zvinomuremera.

Dai tatendeuka panyaya iyi, kukoshesa kwatinoita kudya dai kwava iko kukoshesawo kwatinoita kuverenga Bible, nekuti munhu haararame nechingwa bedzi asi neshoko rimwe nerimwe rinobva kuna Mwari.

No comments:

Post a Comment