Monday, 4 May 2015

Walk the Talk



Mharidzo Title: Walk the Talk

Scripture readings: Matthew 26:69-75, Titus 1:16 & Matthew 7:21

Peter anotevera Jesu but achimuramba, 3 times achinzi uyu mumwe wevamwe vaifamba naJesu, but Peter anopika kuti handisirini (Matthew 26:69-75). This Apostle arikutevera Jesu but at the same time arikuramba Jesu wacho, he does want to be associated naJesu waari kutevera. Its possible kuti munhu anogona kuzviti ndinotevera Jesu, I follow Christ, I am a Christian but achiramba Jesu wacho. Tinonyanyoda kuda KuFocuser pane issue yekuti Peter akaramba Jesu ka3, even mwana wePrimary ukamubvunza kuti how many times did Peter deny Jesus, anokuudza kuti 3. That’s very true, Peter akaramba Jesu ka3, but ko isu takaramba Jesu kangani so far?

yaPeter taiona kuti shuwa akaramba Jesu ka3, but check your life kuti Jesu waunoti urikutevera wakamuramba kangani? Mwari waunoti unonamata wakamuramba kangani. Mumwe anogona kubva ati handisati ndamboramba Jesu but as we move neMharidzo you will understand kuti kuramba Jesu kuita sei chaizvo and that’s when you will able to see kuti zvechokwadi pane maIncidences akawanda atiri kuramba Jesu.

Combi vanonyora mukati mayo kunzi 15 Passengers, but dongorera mukati uone munenge muine vanhu 18, hwindi unotomunzwa achiti garai 4-4 kubva kuBack seat chinangwa chiri chekuti muCombi muite vanhu 18 but ipo paine sticker rakanzi 15 passengers. Sticker ririkuparidza 15 passengers but conductor arikurarama 18 passengers. Ndiyo problem yataita nhasi vamwe maChristu, shoko ratinotenda mariri rakasiyana nemabasa atinorarama. Zvatinoparidza zvakasiyana nezvatinorarama.

As you drive mota unogona kutodeidzira kuti ndinoda kuTurner left but as long as watenesa steering uchienda kuRight, mota yako will go kuRight. Unogona kutaura nemuromo kuti I want to go forward nemota yangu but as long as wakaisa mota muGear reReverse, mota yako inoenda kuReverse zvakadaro. Action yako on the ground ine simba more than mashoko ako. Tinogona kuti Mwari Mwari nemuromo but as long as mabasa edu achiti satan satan, then our destiny inenge ichiterevera kumagumo asatan which the lake of fire.

Tito (titus) 1 vs 16 inotaura nezve vanhu Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo., they profess to know GOD, they claim to know GOD but they deny Him with their works.

Im sure vazhinji varikuverenga ino mharidzo vanopupura kuti vanoziva Mwari, hongu some might have little knowledge but munhu ukamubvunza zviri basic pamusoro paMwari, anogona kukuudza chokwadi chaicho chinobatika, munhu anotopupura kuti anoziva Mwari, of which zviri right but paita nyaya ndepanzi neverse asi vanhu ava vanoramba Mwari nemabasa avo.

Ohhh ndaiti Peter ndiye ega akaramba Jesu, izvi nyamba kune chimwe chikwata zvekare chinoramba Jesu but chichimutevera. Munhu anogona kupupura kuti I am a born again Christian, but mabasa ake can speak otherwise. Action yemunhu inogona kupikisana nezvinotarisirwa pamuChristu. Just like example yeCombi inogona kunyorwa parutivi payo nechekumashure kuti city-mufakose, but woiona ichienda kuEpworth kwaChiremba. Anogona atorine route permit yakanzi City-Mufakose but anoswera achitakura city-mbare. Action yake inopikisana nematsamba aainawo.

muChristu anogona kuita action inopikisana nematsamba anonzi Bible. Arikuzviti muChristu hake but behavior yake inoramba kuti ndiri muChristu. Anozviziva kuti kuba kwakaipa, but anoba. She knows kuti kuSmuggler zvinhu paBoarder hazvisi zvemaChristu but she smuggles zvinhu. He knows kuti hupombwe hwakarambwa neBible but anoita hupombwe hwacho, zvacho zvaanoziva kuti Bible rinorambidza ndizvo zvaanoita, but (s)he claims kuti anoziva Mwari uye muChristu akazvarwa patsva, shuwa tinoti tinoziva Mwari asi tirikumuramba nemabasa edu.

Chimwe chakapa Peter kuramba Jesu inyaya yekutya, he was afraid kuti kana ndikabvuma kuti ndiri mudzidzi waJesu won’t I also be killed? Nhasi zvekare vamwe chirikuita kuti tirambe Jesu inyaya yeFear, we are afraid to stand for what we believe in because tinotya something. Munhu anotya kuramba kubvisa bribe nekuti anotya kuti zvinhu zvake hazvizofambe, anotya kuudza manager wake pabasa kuti zvamuri kuda kuti ndiite izvi hazviite it goes against my Christian beliefs. Anotya kuti basa ringapere. Some are afraid to tell their boyfriend/girlfriend kuti fornication yauri kuda kuti ndiite iyi hazviite, chirikumupa kutya is fear yekurambwa. There are many incidents vanhu patiri kutya kumira pachokwadi because of certain things, togumisira taramba Jesu.

Jesu oti pana Matthew 10:28 Don’t fear those who kill the body but are not able to kill the soul; rather, fear Him who is able to destroy both soul and body in hell.

Ngatirege kutya zvenyika ino, vanhu zvese nasatan nemademon ake kuti vangatiitei if we stand for the truth but let us fear GOD only

Jesu oti pana Matthew 7:21 “Not everyone who says to me, ‘Lord, Lord,’ will enter into the kingdom of heaven – only the one who does the will of my Father in heaven.

Havasi vose vanoti Mwari Mwari vachapinda muhumambo hwekudenga asi avo vanoita kuda kwaBaba vari kudenga

Its not enough to claim kuti unoziva Mwari, its not enough kufamba uchizviti uri muChristu, its not enough kuisa whatsapp status ine Bible verse, its not enough kupfeka uniform yeChurch but zvinotoda kuti urarame shoko raunotenda mariri, zvinotoda kuti mabasa ako ave in line nezvinotaura Bible, you must live in accordance with the will of GOD ndiko kuti tive tinopinda denga.

Musoro weMharidzo wati iwo “walk the talk”, kureva kuti rega kungotaura chete but rarama zvawataura. paChirungu voti “talk is cheap”, kureva kuti its very easy to make boastful or unrealistic statements which are not supported by actions or evidence. kutaura hakuna value, hakuna chiremerera, zvinotoda kuti uite more than talking. And another saying yoti “actions speaks louder than words” mabasa ako anotaura kupfuura mashoko aunobuditsa mukanwa. As Christians we must walk the talk, zvatinotenda ngazvivei izvo zvatinorarama

Zimbabwe nyika yedu inonzi it’s a Christian nation yet panyaya dzeCorruption tiri pamberi, if we are really a Christian nation then why do we have such high levels of corruption where those participating in corrupt activities are people who call themselves Christians, zvinongobuditsa pachena kuti hatizive kuti kuva muChristu zvinorevei, we have become maChristians ezita bedzi asi mabasa edu anoramba kuti tiri maChristu.

Iye zvino maScandals emuChurch awanda kupfura maScandals emunyika, problem ndeyekuti isu vacho tiri muChurch we claim tinoziva Mwari but mabasa edu arikupikisa zvatinotenda mazviri.

James 1:22 yoti But be sure you live out the message and do not merely listen to it and so deceive yourselves.

Haizi nyaya yekunzwa sermon chete but be the sermon yourself. Haizi nyaya yekuverenga Bible chete but rarama shoko rawaverenga. Haizi nyaya yekuFiller form pakanzi religion wonyora kuti Christianity but make sure kuti unorarama chiChristu chacho.

Walk the talk, tenda muzvokwadi chaicho and then live in accordance with the truth you believe

Let it be your prayer kuti Mwari vakuregerere pawakatadza munguva yekare where you failed kurarama shoko raunotenda, let it be your prayer kuti Mwari ndibatsirei kuti nditende muchokwadi chamunoda kuti vana venyu vatende machiri uye mundipe simba rekurarama in accordance with that truth which I believe in, in Jesus Christ’s name. AMEN

1 comment:

  1. Amen, mwari atibetsere tirarame mushoko ravo

    ReplyDelete