Monday, 4 May 2015

Operation Recovery (Part 1)



Operation Recovery (Part 1)

Scripture reading: Luke 2:42-46

Tisati tataura neNyaya yeRecovery chekutanga munhu anofanira KUZIVA kuti pane chakarasika. You cannot talk about recovery but usina kuziva kuti wakarasa chii, so the first step yeRecovey kuva neInformation kuti chii chawakamborasa. As long as you think kuti hapana chawakarasa then the process yeRecovery inenge isina basa newe. This sermon inoFocuser paNyaya yeRecovery kune avo who feel kuti vakadzokera kumashure pakunamata, vakaBackslider, they are no longer at the same level yavaiva kare and they are in need of recovery and revival.

Vabereki vaJesu, Joseph naMary vakaenda naJesu kuPassover kuJerusalem when he was 12 years old. This feast yakapera & mukadzi nemurume ava ndokupinda muRoad vachidzokera kumba, Bible rinobva rati child Jesus tarried behind in Jerusalem and Joseph and his mother knew not of it mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.

Chiri normal ndechekuti munhu anouya kuChurch asina Jesu, but odzekera agamuchira Jesu, but in this case it was different, munhu anoenda kuChurch aina Jesu but odzoka asisina Jesu wacho. Izvi zvinongo representer kuBackslider, kudzokera kumashure panhau dzekunamata and that it what I want to talk about. Mary naJoseph vaiva vaina Jesu but vakamusiya kuJerusalem. Its possible kuti munhu aimbofamba naJesu kare but mazuva ano havasisiri vese nekuda kwemaReasons akasiyana siyana and there is need yekuti utsvage Mwari zvekare mufambe mese.

One of the biggest mistake yakaitwa naJoseph naMary ndeyekuti they assumed kuti Jesu vanaye, vakaita zvekufungidzira kuti vari pamwe chete naJesu izvo nyamba vamusiya kuJerusalem. Don’t work on assumptions, rega kuita zvekufungidzira kuti una Jesu here but be sure. Assumptions are dangerous nekuti unogona kufungidzira zvinhu zvausina like zvakaitwa naJoseph naMwari.

Vaviri ava before they left Jerusalem they never checked kuti Jesu tinaye here but vakangosimuka seCombi yepamushika irikutiza police, the driver never bothers to check the safety of others but anongosimuka achitiza. There is need to do a self-examination, tinofanira kuzviongorora kuti tichiri pamwe naJesu here or takamusiya kare, Paul anoti pana 2Corinthians 13:5 Examine yourselves, to see whether you are in the faith. Test yourselves. Or do you not realize this about yourselves, that Jesus Christ is in you?—unless indeed you fail to meet the test!. Reshona roti 5Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?

If only they had checked before departure kuti Jesu tinaye here vangadai vasina kusimuka kubva kuJerusalem without him. If only we examined ourselves tingadai taiona kuti something is missing but problem ndeyekuti we are to busy checking on others, we are too busy kutarisa kuti nhingi aitei, dai tawana nguva yekuzviongorora kuti tichiripo here pakutenda, tichiri kufamba here munzira dzaMwari or takabva kare nekuti there is a danger yekuti we can fulfil prophesy iri pana 1Timothy 4:1 yekuti in the latter times some shall depart from the faith, giving heed to seducing spirits, and doctrines of devil. Vanhu vachabva pakutenda kwezvokwadi vachiterera mweya inonyengera uye dzidziso dzemaDemon, check yourself zvichida you are in this category yanzi ichabva pakutenda.

Mota inga wani munochecker kuti oil irimo here, fuel irimo here, maTyres ane pressure yakakwana here, that’s how a responsible driver operates. a responsible Christian needs to check herself/himself whether everything is in good working order kana pane zviri kushorta, he seeks to correct it.

We are so much focused on testing prophets whether they are of GOD or not and that’s very Biblical kuvaTester (1 John 4:1) but danger iripo is that we are now more focused on that and we have ignored testing ourselves also. Shuwa unogona kuziva kuti nhingi is a false prophet but koi we how far, are you are true Christian, kuziva muporofita wenhema hakupinze denga, unogona kumuziva kuti ndewenhema but if you also kana uri a false Christian haupinde denga.

Examine yourself, verenga Bible uone kuti zvinonzi ndicho chiChristu urikuzvirarama here, is your life in line with the Bible teachings, zvaunotenda ndizvo here zvinodzidziswa neBible, zvibereko zvaMweya Mutsvene zviri pana Galatians 5:22-23 unazvo here , zvawakanzi naMwari siya wakasiya here, zvawakanzi uite urikuita here, and its not even enough to check ourselves nekuti dzimwe dzenguva we can give ourselves high marks yet tichikanya, we can commend ourselves but tichirasika, so there comes in the need to seek GOD also, kuti Mwari ndimi munoziva, im I still in the faith kana kuti ndarasika gwara.

First step yekudzokera panzira dzaMwari is to know kuti wakarasika. Chekutanga paProcess yeRevival is to realise your need, kubvuma kuti shuwa im in need of GOD’s help. Nekuti ivo Mwari vanobatsira avo vanobvuma kuti they need help, as long as you feel kuti uri right nezvauri then there is no reason yekuti Mwari vakubatsire. First things first, ziva uye bvuma kuti wakaBackslider and you can start from there uchikumbira kuti Mwari vakubatsire kudzokera pagwara raunofanira kufamba.

Zvakazarurwa 2 vs 5 Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho

…..to be continued.

No comments:

Post a Comment