Wakatevera
Chii (Part 2)
Scripture
reading: Matthew 8:19-20
“Mudzidzisi,
ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena
yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza
musoro wake.”
This
scribe ataura kuti anoda kutevera Jesu, but mhinduro yaJesu haaudze munhu kuti
follow me or usanditevere, but anotaura a very crucial statement rinogona kuita
kuti munhu achinje hurongwa hwake. statement rakataurwa naJesu rinogona kuita
kuti munhu aite review yeDecision yake kuti ummmm let me change my earlier
plans, izvi hazvichaite. Munhu anogona kuti ndirikuenda kuTown for shopping,
iwe womuti I will follow you kwese kwauchaenda, ukapinda muJoina neni ndinewe,
ukapinda paEastgate tiri tese, ukapinda muChicken inn, tiri tese,munhu uyu abva
angoti ana John vanofamba nemaCombi, ana Spenser vanofamba nemota dzavo ini
zvangu Peter ndinofamba netsoka kupinda muTown. Iwo mashoko iwawo anogona kuti
ukanzure decision yako yekuda kutevera munhu muTown,nekuti kuti ufunge kuti
kubva Chitungwa kunobata Harare CBD hapazi pano, pauchati water works, wozoti
pachinhamo, wozoti koala, maruta, coca-cola, haaa unonyatsoona kuti izvi
hazviite izvi. But kana wanga uchida kutevera munhu pashuwa chaipo unotaura
kuti no problem handei tsano.
Jesu
anoudza murume uyu kuti foxes have holes, birds of the air have have nests but
the son of man has nowhere to lay his head. Makava ane mwena, shiri dzedenga
even though dziri dzemudenga dzine matendere adzo, but Mwanakomana wemunhu
anova Jesu haana paangaise musoro wake.
To
someone zvinogona kumunetsa kuti ko nhai izvo zvemwena wemakava nematendere
zvapinda papi, hanti munhu angoti anoda kutevera Jesu, ko zvavakupindurwa izvo
zvinei nekutevera Jesu. Nyamba iyi Jesu wacho anege atonzvera moyo wemunhu aoona
the real motive yatuma munhu kuti afunge kumutevera. Zvekuti pahu2 hwavo they
fully understand each other, vamwe vese mungatedze henyu kuziva kuti
zvirikufamba sei but iye Jesu anenge achitoziva kuti answer yaataura ndiyo
chaiyo and iye apindurwa anenge achiziva kuti yah ndapihwa the correct answer.
Foxes
have holes, birds of the air have nests but the son of man has no place to lay
his head. Kana murume uyu aida kutevera Jesu nekuti aifunga kuti achazopihwa a
good place to sleep in the night, airasa, kana aifunga kuti Jesu ane palace
yepano pasi which is very beautiful kwaaizopihwa room yekugara airasa. Nekuti
Mwanakomana wemunhu haana pekuisa musoro.
statement
raJesu iri harizi rekuDiscourager munhu, aiwa but ndere kuClear any wrong
motive inogona iine munhu uyu yamutuma kuti atevere Jesu. Back in school
pataienda kumaSports usually vanhu vaienda kumaSports with a motive yekuda
kunodya chikafu more than a true sports motive. Akateya glucose, mumwe akateya
mazoe, mumwe akateya chingwa chine jam, but pane pamwe pekuti zvinhu zvaigona
kuoma and moudzwa kuti kwatiri kuenda hakuna chikafu nhasi. Mumwe munhu
zvaimurwadza nekuti the true motive yake yanga isiri yekuThrower javelin or
discuss but aida kuThrower chikafu chichipinda mukanwa.
Kuudzwa
kunzi nhasi hakuna lunch kumaSports hakuzi kunzi wadzingwa but purpose ndeye
kuti kana wanga uine chinangwa chisiricho ugare waziva zvokwadi.
Christ
does not want deceived followers, Jesu asiyana nevamwe vaparidzi vanoda
kuDeceiver vanhu kuti vavatevere. Ndava kune vamwe vashumiri vanotaura
zvavasina inorder to attract people to them. I see your car, I see your
marriage, I see your house, ndirikuona uchichata, and many other promises (but
im yet to hear anyone anoti I see you going to heaven). Unoudzwa zvinhu zvaunofarira
kunzwa zvekuti you end up wavakutevera munhu uyu because you want to gain
zvinhu zvaataura. Manje Jesus was not a deceiver, he did not attract people by
hook and crook.
Mwari
vasiyana nevakomana vanonyepera vasikana in order to be in a relationship with
them. Unotonzwa munhu achiti rume risinganyepe harirore, and he uses tsumo
iyoyo kuJustifier nhema dzaanoudza musikana wake and ignores maBible verse
anomurambidza kunyepa. Foundation yeRelationship yake itsumo, Bible rinoiswa
kure, no wonder why achizoFailer maRelatioships acho nekuti already you have
left out GOD. Kunyenga nekunyengera zvinhu 2 zvakatosiyana, you lied to her so
that she can follow you. but manje Mwari havadaro, vanoudza munhu chokwadi,
havape vanhu maFake promises ekuti vanamate, but everyone is told the truth so
that kana uchitevera Mwari you have a clear understanding of why you are
following Jesus.
Once
you declare the truth about yourself you will have genuine followers.
No comments:
Post a Comment