Monday, 4 May 2015

Wakatevera Chii (Part 1)



Wakatevera Chii (Part 1)

Scripture reading: Matthew 8:19-20

Mukomana paanoudza musikana kuti I love you and iye musikana achipinudra kuti I love you too. Hapazi pese musikana paanenge achirevesa kuti arikuda mukomana, pamwe pacho she has been attracted nepfuma ine mukomana uyu so inorder to enjoy that wealth she has to say “I love to you too”. kuti akwanisewo kufamba nemota yemukomana uyu anotofanirawo kubvuma kudanana naye. “I love you too” yake haizi pakuti arikuda mukomana but it’s because she wants mari ine mukomana. Relationship yakadai is very dangerous nekuti kana mari ikapera or musikana akawana mumwe mukomana ane mari iri nani she can as well dump the guy.

Kana relationship yenyu yakabatanidzwa nesomething chiri physical chinobatika, kushayikwa kwechinhu ichocho kunogona kutoita kuti mupesane nemumwe wako. Kana musikana achikudira mota yeCompany, the day basa parinopera and that car is taken away, ndipo pauchaona kuti wanga usiri kudiwa iwewe but musikana aida mota yeCompany yaunofamba nayo. If your relationship is connected by a material thing, ummmmm pane risk yakanyanya yekupesana.

There are people today vanoda kuzviConnector kuna Mwari for the sake of material gain. Anoda kunamata Mwari nekuti ane zvinhu zvinobatika zvaari kuda kubva kunaMwari, ari kuda mari, ari kuda basa, arikubda mota, but true love towards GOD hapana, chinonyanyo kumutuma kunamata is the desire for gain. And relationship yakadai is also for fragile, inogona kungoputsika anytime after washaya zvauri kuda, or wazvina or even waOffwa zvinhu izvozvo nasatan. Iyo connection iyoyo ndiyo yandinoda kuAddresser nhasi, kuti chii chakakubatanidza naMwari, chii chirikuita kuti utevere Jesu, chii chirikukutuma kunamata. And is there are any need kuti urambe uine chinangwa ichocho pakunamata or you have to change.

Musoro wemharidzo wobva wati ivo Sei Uchitevera Jesu, Why are you following Christ.

Mateo 8:18-20 Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa. Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

Many people were following Jesus, just like muzuva ranhasi the world has many people who are following Jesus, and even most of the people varikuverenga this sermon varikutevera Jesu or they have not yet made their decision to follow Christ & it is my wish kuti dai tose tatevera Jesu. Vanhu ava vakapihwa an order kuti lets go to the other side of the sea, handei kune rimwe divi regungwa. Achipedza kutaura mashoko aya, there came a man who was a scribe (mudzidzisi wemuraiyo) ndokubva audza Jesu kuti, Master ndichakuteverai kwose kwamunoenda, I will follow you wherever you go.

This is very good, munhu ane programme yakanaka stereki anoda kutevera Jesu kwese kwaanenge ari. Kana zvikanzi nhasi Jesu varikupa vanhu miracle bread, neMiracle fish, he would be there, kana zvikanzi nhasi Jesu ari ku Capernaum kwaari kuparidza, he would also be there, kana zvikanzi nhasi Jesu arikunamatira vanorwara, he would also be there. Kwese kuna Jesu anenge aripo murume uyu.

But chinzwa unzwe answer yaJesu. Semunhu anga aine the ability yekunzvera moyo, Jesus was able kukupindura maringe nezvauri kufunga momoyo mako more than mashoko awataura. That’s where an ordinary person differs from Jesus who has the gift of discernment (Chipo chekunzvera). Jesu aigona kunzvera moyo wemunhu zvekuti kana ukaenda kwaari uchida kumuyedza zvako uchibvunza kuti nhasi tobhadhara here tax kuna Caesar, iye Jesu aitonzvera moyo wako kuti shasha iyi haizi kuda kubvunza nenyaya yeTax but arikutsvaga mhosva pane answer yandichamupa. Jesus was able to see the true motive iripamoyo pemunhu, even if ukaedza kuda kuzvihwandisa nemashoko akaiswa sugar, Jesus was able to see it kuti apa chinangwa chako ndeichi.

So many times tinogona kupinda muPrayer and we ask GOD for many different things, Mwari ndinoda icho neicho, kana mukandipa I will do A, B C D, in Jesus name amen. But chaunofanira kuziva ndechekuti Mwari vanonzvera moyo more than mashoko awabuditsa that’s why tichikurudzirwa kuti tinamate nemoyo inorevesa. Nekuti unogona kuti Mwari ropafadzai business rangu so that half yemaProfits angu ndipote ndichipa shirikadzi nenherera in Jesus name amen. Mashoko awabuditsa they are very good, warangarira chirikadzi nemaOrphans but GOD can see your heart kuti shasha iyi chaari kuda chaizvo hakuzi kuda kubatsira vanotambura but ndikamupa profit yaari kuda she wants to spend it on her own desires zvisina kana zvazvino benefiter vamwe vanhu. Saka Mwari vanokupindura according to your true motive rather than mashoko awabuditsa, vanongokuudza kuti NO.

Saka kana tichinamata, let us mean every word that we say kuti minamato yedu ive effective.

2 comments: